Episode 11 - Mutakunanzva

Saka zviitiko zvakazoda kuti zviitike kuhigh skuru uko. Tanga tapinda musecond term ende ndanga ndadzika midzi mumaGame angu zvisina doubt. I was on top of the world and on top of my game. Twusikana twuri funny, twunokabira nezvinhu zvisina kana basa rese. Kubva kumaForm 1 kusvika kumaUpper Sixth hapana aisaziva 'muLower anonzi Tony kana kuti Big Willy'. Musafunge kuti ndiri kuzvipa nyembe, pavasikana ndaive benzi rinoziva zvarinoita varume. Mwari vakasika vanhukadzi kufadza inini.

Mukutanga kwesecond term iyi maLower Sixth taive neCamp. Hapana waisara yaive yemunhu wese. Mukuenda kuCamp uku ndiyo nguva yandaida kunyatsovona vasikana vainge varipo pagroup redu. Zvinonetsa kunyatsovona kara dziripo pamunosangana muclass, ini chikoro ndaida saka muclass ndaive munhu kwaye. Haa horait chokwadi chiri chekuti muclass ungazotarisa magero chirudziyi? KuCamp kuya ndivingwe nechikwata chemakoso vane proposal. Ndakamboda kuramba but pakaburitswa mari ndipo pakatendeuka moyo. But nyaya yacho anga ari mahwani guys. 4 of these girls came to me vachiti vaita problem inoda hubenzi hwangu. Pane musikana wavainge vaburana naye nyaya yacho ndisingazive kuti yanga iri yei chaizvo. Handina kuda kuziva zvakawanda zvangu. What i had to do was kunyenga sisi ava, ndavanyenga ndobva ndaita kuti awire zvisina akambovona then camp yapera ndomudonhedza zvangu kunge asipo. Plan iyi yanga yakaipira chinhu 1, aizovengwa ndini. Mumukore iwoyo $1000 yaive mari inotyisa ini pocket money paterm ndichipiwa kana $300. Kana vakadzi vachiita kuti ndifunge sebenzi mari iri kumashure nepadiki. I agreed but with reservations.

The real problem was not that i was worried about being hated by the girl but she wasn't all that. I mean she was right betwee ugly and ok. The kind of girl you can go home with after a drunken night out but not the girl you would parade to your fellas. Aive akareba, akaonda, mazamu uchiita ekutsvaka...... regai ndinyarare reputation yangu ichiripo. Anyway that night ndakatanga kutaudzana naye kunge munhu aingotsvakawo nyaya. Sometimes unopinda nedifferent angle kana uchida maresults. Taiita magroup activity ndikangotanga nemuwanzira, iye achidzorera zvichingodaro. Takazoti tazogara pasi tave 2 manje. Ndipo pandakazotanga kumubvunza nezvake sekunge ndaitoda kuziva. Zvakagumira ipapa husiku iwoyo. Mangwana acho ndakangotanga kubvunza vamwe vasikana kuti 'ko Amina aripi?' Paakazondiona nyika yese yainge yoziva kuti Tony was looking for Amina all day. Mafess angu remember, those are free marks. Any musikana will start wondering why afungwa nemukomana kudaro and nenature yevanhukadzi i promise you hapashaye kana mumwe chete who will suggest kuti musikana afarirwa. Free marks varume!

Husiku hwacho takaerekana tongoteverana, kwaaenda ndiriko, kwandiri ariko. Ndakamuperekedza kuhostel kwavo then tasvika i told her that she was such a lovely girl. Mwana ndakaona kufara mumeso ake. That was my sign, ndakabva ndamuudza kuti iwaya mazuva maviri atainge tatanga kutaura ndakabva ndaona hupenyu from a different angle. Akakabira. I hate to say this but vasikana sometimes muri mastupid imi. Ungabva wawira kudaro ne2 days? Kanganise mangwana acho ndakapinda muOverdrive chaiyo ndichitofamba ndakamubata ruoko, dai aiziva kuti mubhadharo ndiwo waimunyenga angadai akanditsvakira pfuti. Takapedza zuva rese tichipembedza rudo mwanasikana achifara zviya zvekufara kuti azodiwawo. Husiku hwacho manje.......

0 comments: